Ephesians 3

Pauro Muparidzi kune veDzimwe Ndudzi

1Nokuda kwaizvozvi, ini Pauro, musungwa waKristu Jesu nokuda kwenyu imi veDzimwe Ndudzi:

2Zvirokwazvo makanzwa zvokugoverwa kwenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri nokuda kwenyu, 3kuti chakavanzika chakaziviswa kwandiri nokuzarurirwa, sezvandakatonyora muchidimbu. 4Mukuverenga izvi, ipapo muchagona kunzwisisa maonero andinoita chakavanzika chaKristu, 5chisina kuziviswa kuvanhu kana mamwe marudzi sezvachakaratidzwa zvino noMweya kuvapostori navaprofita vatsvene vaMwari. 6Chakavanzika ichi ndechokuti, kubudikidza nevhangeri, veDzimwe Ndudzi vava vadyi venhaka pamwe chete navaIsraeri uye vava nhengo pamwe chete dzomuviri mumwe chete, vagovani pamwe chete muchivimbiso chiri muna Kristu Jesu.

7Ndakava muranda wevhangeri iri nechipo chenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri kubudikidza nokushanda kwesimba rake. 8Kunyange ndiri muduku pavanhu vose vaMwari, idzi nyasha dzakapiwa kwandiri: kuti ndiparidze vhangeri kune veDzimwe Ndudzi pfuma yaKristu isinganzwisisiki; 9uye kuti ndiratidze pachena kuvanhu vose kugoverwa kwechakavanzika ichi, icho panguva yakare chakanga chakavigwa muna Mwari, iye akasika zvinhu zvose. 10Zvaaida zvino ndezvokuti, kubudikidza nekereke, uchenjeri hwaMwari hukuru huziviswe kuvatongi navane simba vari muchadenga, 11maererano nevavariro yake isingaperi yaakakwanisa muna Kristu Jesu Ishe wedu. 12Maari, uye kubudikidza nokutenda kwaari tinogona kusvika kuna Mwari takasununguka uye tisingatyi. 13Naizvozvo, ndinokukumbirai, kuti murege kuora mwoyo nokuda kwamatambudziko angu nokuda kwenyu, anova kukudzwa kwenyu.

Kunyengeterera vaEfeso

14Nokuda kwaizvozvi, ndinopfugama pamberi paBaba, 15nokuti mhuri yavo yose iri kudenga napanyika inowana zita rayo kubva kwavari. 16Ndinonyengetera kuti kubva papfuma yokubwinya kwavo vakusimbisei nesimba noMweya wavo mumunhu womukati, 17kuti Kristu agare mumwoyo yenyu nokutenda. Uye ndinonyengetera kuti imi, muve nemidzi uye musimbiswe murudo, 18muve nesimba, pamwe chete navatsvene vose, kuti mubate kuti kupamhamha, nokureba uye kukwirira, nokudzika kworudo rwaKristu kwakadii, 19uye muzive rudo urwu runopfuura ruzivo, kuti muzadzwe kusvikira pachiyero chokuzara kwose kwaMwari.

20Zvino iye anogona kuita zvikuru zvisingagoni kuyerwa kupfuura zvose zvatingakumbira kana kufunga, maererano nesimba rake riri kushanda mukati medu, 21ngaave nokubwinya mukereke uye nomuna Kristu Jesu kumarudzi namarudzi, nokusingaperi-peri! Ameni.

Copyright information for SnaBDSC